Exodus 40

Kudzika Tabhenakeri

1Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Dzika tabhenakeri, Tende Rokusangana, pazuva rokutanga romwedzi wokutanga. 3Uise areka yeChipupuriro mairi uye ugofukidza areka nechidzitiro. 4Upinze tafura ugoisa zvinhu zvayo pairi. Ipapo ugopinza chigadziko chomwenje ugomisa mwenje yacho. 5Uise aritari yezvinonhuhwira yegoridhe pamberi peareka yechipupuriro uye ugoisa chidzitiro pamukova wokupinda mutabhenakeri.

6“Uise aritari yezvipiriso zvinopiswa pamberi pomukova wokupinda kutabhenakeri, Tende Rokusangana; 7uise dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari ugoisa mvura mariri. 8Ugadzire ruvazhe rwakaipoteredza uye ugoisa chidzitiro pamukova woruvazhe.

9“Utore mafuta okuzodza ugozodza tabhenakeri nezvinhu zvose zvirimo; uinatse nemidziyo yayo yose, uye ichava tsvene. 10Ipapo ugozodza aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo yose; unatse aritari, uye ichava tsvene-tsvene. 11Uzodze dhishi nechigadziko charo ugozvinatsa.

12“Uuye naAroni navanakomana vake kumukova weTende Rokusangana ugovashambidza nemvura. 13Ipapo ugopfekedza Aroni nguo tsvene, umuzodze uye ugomunatsa kuti agondishumira somuprista. 14Uuyise vanakomana vake ugovapfekedza majasi. 15Uvazodze sokuzodza kwawaita baba vavo, kuti vagondishumira savaprista. Kuzodzwa kwavo kuchava kwouprista hucharamba huripo kuzvizvarwa zvinotevera.” 16Mozisi akaita zvose sezvaakarayirwa naJehovha.

17Saka tabhenakeri yakamiswa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga mugore rechipiri. 18Mozisi akati amisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko panzvimbo yazvo, akadzika mapuranga, akapinza mbariro uye akamisa matanda. 19Ipapo akatambanudza tende akariisa pamusoro petabhenakeri ndokuisa chifukidzo pamusoro petende, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

20Akatora Chipupuriro akachiisa muareka, akabatanidza mapango paareka uye akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro payo. 21Ipapo akauyisa areka mutabhenakeri ndokuturika chidzitiro chokufukidzira akafukidza areka yeChipupuriro, sokurayira kwakaita Jehovha.

22Mozisi akaisa tafura muTende Rokusangana nechokurutivi rwokumusoro kwetabhenakeri kunze kwechidzitiro 23uye akaisa chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

24Akaisa chigadziko chomwenje muTende Rokusangana chakatarisana netafura nechokurutivi rwezasi rwetabhenakeri 25uye akamisa mwenje pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

26Mozisi akaisa aritari yegoridhe muTende Rokusangana pamberi pechidzitiro, 27uye akapisa zvinonhuhwira pairi, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. 28Ipapo akaisa chidzitiro pamukova wetabhenakeri.

29Akamisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pedyo nomukova wetabhenakeri, Tende Rokusangana, akapa pairi zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

30Akaisa dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari uye akaisa mvura yokushamba mariri, 31uye Mozisi naAroni navanakomana vake vakaishandisa kushamba maoko avo netsoka dzavo. 32Vaishamba pose pavaipinda muTende Rokusangana kana kuswedera paaritari, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.

33Ipapo Mozisi akaita ruvazhe rwakapoteredza tabhenakeri nearitari uye akaturika chidzitiro pamukova wokupinda muruvazhe. Nokudaro Mozisi akapedza basa.

Kubwinya kwaJehovha

34Ipapo gore rakafukidza Tende Rokusangana, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri. 35Mozisi haana kugona kupinda muTende Rokusangana nokuti gore rakanga ragara pariri, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.

36Mukufamba kwose kwavaIsraeri, pose paisimuka gore kubva pamusoro petabhenakeri, ivo vaisimuka vachienda; 37asi kana gore risina kubva, vakanga vasingafambi, kusvikira pazuva rarinosimuka. 38Saka gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati; uye moto wakanga uri mugore usiku, pamberi peimba yose yaIsraeri panguva yokufamba kwavo kwose.

Copyright information for SnaBDSC